Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 1:1-33

Zvirevo 1:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano, vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa, kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa. Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo; nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona! Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo! Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana. Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara; kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti: “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo? Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri. Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu, sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu, uye mukasagamuchira kutsiura kwangu, iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai, dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai. “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani. Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha, sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu, vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo. Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza; asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 1

Zvirevo 1:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri. Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera; Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa. Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe. Kana vachiti, “Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka. Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba. Tichawana pfuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba; Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.” Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo; Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa. Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona. Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo. Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira pfuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake. Uchenjeri unodanidzira panzira dzomumusha; unonzwisa izwi rahwo panzvimbo dzakafara; Unodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti, “Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira riniko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo? Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu. Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira; Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu, Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika. Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai. Nenguva iyo vachadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani. Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha, Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kwose, Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo. Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza. Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 1

Zvirevo 1:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tsumo dzaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri dzokuti vanhu vazive ungwaru nezvidzidzo kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama, dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi. Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga. Mungwaru achadzinzwawo agopamhidzira ruzivo anonzwisisa agowanawo mano. Kuri kuitira kuti munhu anzwisise tsumo namadimikira uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo. Kutya Tenzi ndiko kutanga kworuzivo mapenzi anoshora ungwaru nechidzidziso. Mwanangu, teerera zvaunodzidziswa nababa vako. Usarambe zvaunorairwa naamai vako. Zvichava tsungare yokushongedza musoro wako nayo nechuma chokushongedza huro yako nacho. Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza kuita chinhu, usabvume. Kana vakati, “Uya tiende tindovandira vanhu tivauraye tindovhurumukira kuvarwisa vasina mhaka uye zvisina tsarukano sezvinoita nzvimbo yavafi tivamedze vari vapenyu vakangodaro sezvavakaita sezvinoita vanodzika muguva, tichawana zvose zvakakosha tigozadza dzimba dzedu nezvinhu zvokupamba, isa mugove wako kwatiri tive nechikwama chimwechete.” Mwanangu, rega kufamba munzira navo usarege tsoka yako ichienda munzira dzavo nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuuipi uye vanokurumidza kudeura munhu ropa nokuti hazvina zvazvinobatsira kuteya urimbo shiri dzichiona. Vanhu ivava kutozvivandira ikoko kuti ivo vafe vanovandira kuparara kwoupenyu hwavo pachavo. Iwoyu ndiwo mugumo wavose vanowana zvinhu nenzira isina kunaka zvinoparadza upenyu hwomuridzi wazvo. Ungwaru hunodanidzira mumugwagwa hunoshevedzera pamisika. Hunodaidzira zvikuru pamusoro petsvingo hunotaura mashoko ahwo huri kumusuo wedare reguta. Nhaimi vasinganzwisisi muchasvika rinhi musinganzwisisi? Imi vashori kusvikira rinhiko muchifarira kunyomba uye muri mapenzi asingadi ruzivo? Teererai zvandinokutsiurai ini ndichazvikwengura ipfungwa dzangu kwamuri ndikuzivisei mashoko angu ndinodaro nokuti ndakadaidzira asi makaramba kudavira. Ndakatambanudza ruoko asi hapana akambotirimuka. Hauna kumboita hanya nemazano angu makaramba kuti ndikutsiurei. Kana neniwo ndichakusekai mupfumvu yenyu ndikusveveredzei kana mabatwa nokutya, kana kutya kwakuvhungai sedutu pfumvu yakuwirai sechamupupuri kuora mwoyo nokurwadziwa kwamonerana nemi. Vachandidaidza asi ini handipinduri vachanditsvagisisa asi havandiwani. Nokuti vakavenga ruzivo uye havana kusarudza kutya Tenzi. Havana kuita hanya nemazano angu vakashora kuvatsiura kwangu. Ndizvozvo vachadya michero yemaitiro avo vagoguta netwavanonanga, nokuti vasinganzwisisi vanouraiwa nokutsauka kwavo kushaya hanya kwamapenzi kunoauraya. Asi anonditeerera anogarika achava pamutambaratede wokusambotya chinhu chakaipa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 1

Zvirevo 1:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri: Kuti ʋanhu ʋaziʋe ʋucenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera; Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. Ʋanzwisise cireʋo nomufananidzo, Mashoko aʋakacenjera neɀirabge ɀaʋo. Kutya Jehova ndiko kuʋamba kweziʋo; Mapenzi anoshoʋora ʋucenjeri nokurairirwa. Mŋanakomana waŋgu, inzwa kurairira kwaɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. Nokuti ɀicaʋa cishoŋgo cakanaka pamusoro wako, Noʋuketani pamutsipa wako. Mŋanakomana waŋgu, kana ʋatadzi ʋacikugombedzera, Usatenda iwe. Kana ʋaciti: Hendei tose, Ŋgatirindire ropa; Ŋgatiʋandire ʋasinemhoȿa kunyaŋge pasinemhaka. Ŋgatiʋamedze ʋari ʋapenyu seSheori, Ʋari ʋakukutu saiʋo ʋanoɓurukira kugomba. Ticawana fuma yamarudzi mazhinji; Ticazadza dzimba dzeɗu neɀatakapamba; Iwe ucaʋa mumŋe weɗu; Tose ticaʋa necikwama cimŋe cete; Mŋanakomana waŋgu, usafamba naʋo nenzira yaʋo; Dzora rutsoka rwako panzira yaʋo; Nokuti tsoka dzaʋo dzinoʋaŋgira ɀakaipa; Ʋanokurumidza kuɗurura ropa. Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dziciɀiʋona. Ʋanhu aʋa ʋanogarira ropa raʋo ʋamene; Ʋanoɀiʋandira ʋupenyu bgaʋo. Ndiɀo ɀakaita ʋo nzira dzaʋose ʋanokarira fuma; Ɀinotorera mŋene waɀo ʋupenyu bgake. Ʋucenjeri ʋunoɗanidzira panzira dzomumusha; Ʋunonzwisa inzwi rabgo panɀimbo dzakafara; Ʋunoɗana panɀimbo panoʋuŋgana ʋazhinji; Paʋanopinda pamasuʋo, Paguta, ndi’po paʋunotaura mashoko abgo, ʋuciti: Nhai imi ʋasinamano, mucaɗa kusaʋa‐namano kuȿikira riniko? Nemi ʋaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuʋeŋga ziʋo? Dzokai kana mucinzwa kuraira kwaŋgu, Tarirai ndicaɗurura mŋeya waŋgu pamsoro penyu; Ndicakuziʋisai mashoko aŋgu. Ɀandakaɗana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruʋoko rwaŋgu, kukasaʋa nomunhu wakaraŋgarira; Asi makaɀidza mano aŋgu ose, Mukaramba cose kuraira kwaŋgu, Naiɀoɀo neni ʋo ndicaseka kana maʋa munhamo yenyu; Ndicakuɗaɗirai, kana kutya kwenyu kuciȿika. Kana kutya kwenyu kuciȿika seɗutu guru, Nenhamo yenyu iciȿika secampupuri; Kana kutambudzika nokuɗumbirwa ɀicikuwirai. Neŋguʋa iyo ʋacaɗana kwandiri, asi handiŋgapinduri; Ʋacanditȿaka ɀikuru, asi haʋaŋgandiwani. Ɀaʋakaʋeŋga ziʋo, Ʋakasaɀitsaurira kutya Jehova, Ʋakaramba mano aŋgu ose, Ʋakashoʋora kuraira kwaŋgu kwose, Naiɀoɀo ʋacadya ɀiɓereko ɀenzira yaʋo; Ʋacagutswa namano aʋo. Nokuti kudzokera shure kwaʋasinamano kucaʋaʋuraya, Kusaʋa nehanya kwamapenzi kucaaparadza. Asi aninani unonditerera ucagara ɀakasimba, Ucagadzikana, asiŋgatyi ɀakaipa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 1

Zvirevo 1:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)