VaFiripi 4:8-9
VaFiripi 4:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
VaFiripi 4:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
VaFiripi 4:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi.
VaFiripi 4:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo. Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi.
VaFiripi 4:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)