VaFiripi 4:2-7
VaFiripi 4:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu. Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:2-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokumbira zvikuru Yuodhia, ndinokumbira zvikuru Sinitike, kuti vave nomwoyo mumwe muna Ishe. Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu. Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu. Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:2-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokumbira ɀikuru Yuodia, ndinokumbira ɀikuru Sintike, kuti ʋaʋe nomŋoyo mumŋe munaShe. Hoŋo, newe ʋo, shamŋari yaŋgu yaɀokwaɗi paɓasa, ndinokumbira kwauri kuti uɓatsire ʋanhukadzi aʋa, nokuti ʋakaɓatirana neni paEvaŋgeri, pamŋe cete naKremensi, naʋamŋe ʋakaɓata pamŋe cete neni, mazita aʋo ari mubuku yoʋupenyu. Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu.
VaFiripi 4:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)