VaFiripi 4:12-13
VaFiripi 4:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
VaFiripi 4:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba.
VaFiripi 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa.
VaFiripi 4:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba.
VaFiripi 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)