VaFiripi 4:11-14
VaFiripi 4:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.
VaFiripi 4:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo. Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba. Kunyaŋge ɀakaɗaro, makaita ɀakanaka ɀamakasoŋgana neni pakutambudzika kwaŋgu.
VaFiripi 4:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)