VaFiripi 4:10-11
VaFiripi 4:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
VaFiripi 4:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
VaFiripi 4:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri.
VaFiripi 4:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakafara ɀikuru munaShe, nokuti ɀino makapepuka ɀe mukandiraŋgarira; makaŋga maraŋgarira henyu, asi makashaiwa ŋguʋa. Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo.
VaFiripi 4:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)