VaFiripi 4:1-5
VaFiripi 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa! Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu. Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
VaFiripi 4:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwi vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikanwi. Ndinokumbira zvikuru Yuodhia, ndinokumbira zvikuru Sinitike, kuti vave nomwoyo mumwe muna Ishe. Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu. Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo.
VaFiripi 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo. Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu. Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo.
VaFiripi 4:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋandinoshuʋa kwaɀo, mufaro waŋgu, nekorona yaŋgu, mirai nesimba saiɀoɀo munaShe, ʋaɗikanwa. Ndinokumbira ɀikuru Yuodia, ndinokumbira ɀikuru Sintike, kuti ʋaʋe nomŋoyo mumŋe munaShe. Hoŋo, newe ʋo, shamŋari yaŋgu yaɀokwaɗi paɓasa, ndinokumbira kwauri kuti uɓatsire ʋanhukadzi aʋa, nokuti ʋakaɓatirana neni paEvaŋgeri, pamŋe cete naKremensi, naʋamŋe ʋakaɓata pamŋe cete neni, mazita aʋo ari mubuku yoʋupenyu. Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo.
VaFiripi 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)