VaFiripi 3:7-8
VaFiripi 3:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.
VaFiripi 3:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu
VaFiripi 3:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu
VaFiripi 3:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu
VaFiripi 3:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)