Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 3:5-14

VaFiripi 3:5-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa. Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 3

VaFiripi 3:5-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)