VaFiripi 3:4-6
VaFiripi 3:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda: ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi; kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva.
VaFiripi 3:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu anoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini. Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsiraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro ndiri muFarisi; pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurayiro ndakanga ndisina chandingapomerwa.
VaFiripi 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda. Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa.
VaFiripi 3:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini. Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise; pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa.
VaFiripi 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)