Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 3:4-14

VaFiripi 3:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda: ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi; kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva. Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu. Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda. Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 3

VaFiripi 3:4-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda. Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa. Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 3

VaFiripi 3:4-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)