VaFiripi 3:20-21
VaFiripi 3:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
VaFiripi 3:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.
VaFiripi 3:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake.
VaFiripi 3:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.
VaFiripi 3:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake.