VaFiripi 3:17-19
VaFiripi 3:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai. Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.
VaFiripi 3:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kurarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu. Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu; kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.
VaFiripi 3:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, batanai mukunditevedzera, muongorore vanogara zvakadaro, maererano nomuenzaniso watakakupai. Vamwe vazhinji vandaigara ndichikutaurirai, vandinokutaurirai zvakare nemisodzi padama, vanogara semhandu yomuchinjikwa waKristu. Mugumo wavo kuparara. Mwari wavo inhumbu uye vanozvirumbidza nezvavanofanira kunyara nazvo, mwoyo yavo iri pane zvapano pasi.
VaFiripi 3:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su. Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu; kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika.
VaFiripi 3:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)