VaFiripi 3:13-14
VaFiripi 3:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu.
VaFiripi 3:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)