VaFiripi 3:12-21
VaFiripi 3:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu. Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri. Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana. Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai. Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika. Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
VaFiripi 3:12-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu. Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi munomumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo. Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomuraviro iwoyu watasvika nawo patasvika. Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kurarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu. Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu; kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika. Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.
VaFiripi 3:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo. Hama dzangu, batanai mukunditevedzera, muongorore vanogara zvakadaro, maererano nomuenzaniso watakakupai. Vamwe vazhinji vandaigara ndichikutaurirai, vandinokutaurirai zvakare nemisodzi padama, vanogara semhandu yomuchinjikwa waKristu. Mugumo wavo kuparara. Mwari wavo inhumbu uye vanozvirumbidza nezvavanofanira kunyara nazvo, mwoyo yavo iri pane zvapano pasi. Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake.
VaFiripi 3:12-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handiti ndatociwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ko, kuti ɀimŋe ndiciɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira. Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo. Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika. Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su. Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu; kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika. Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.
VaFiripi 3:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)