VaFiripi 2:5-8
VaFiripi 2:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
VaFiripi 2:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.
VaFiripi 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa.
VaFiripi 2:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa.
VaFiripi 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)