Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 2:5-18

VaFiripi 2:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira uye kuti rurimi rumwe norumwe rutaure pachena kuti Jesu ndiTenzi kuitira kuti Mwari Baba varumbidzwe. Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda. Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika. Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina. Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaFiripi 2

VaFiripi 2:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)