VaFiripi 2:21-24
VaFiripi 2:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
VaFiripi 2:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake. Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndaona kuti zvangu zvakadini; asi ndinotenda muna Ishe kuti neniwo ndimene ndichakurumidza kuuya.
VaFiripi 2:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei. Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza.
VaFiripi 2:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake. Ɀino ndiye wandinoti ndicatuma kwamuri pakarepo, kana ndaʋona kuti ɀaŋgu ɀakaɗini; asi ndinotenda munaShe kuti neni ʋo ndimene ndicakurumidza kuʋuya.
VaFiripi 2:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)