VaFiripi 2:19-22
VaFiripi 2:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.
VaFiripi 2:19-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
MunaIshe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timoti kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handina mumwe munhu anomwoyo wakaita sowake, achava nehanya kwazvo nezvenyu. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake.
VaFiripi 2:19-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa.
VaFiripi 2:19-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
MunaShe Jesu ndinoti ndicakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa ɀenyu. Nokuti handinomumŋe munhu unomŋoyo wakaita sowake, ucaʋa nehanya kwaɀo neɀenyu. Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake.
VaFiripi 2:19-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)