VaFiripi 2:17-23
VaFiripi 2:17-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni. Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.
VaFiripi 2:17-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuda kwaizvozvo nemiwo mufare nokufarisisa neni. MunaIshe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timoti kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handina mumwe munhu anomwoyo wakaita sowake, achava nehanya kwazvo nezvenyu. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake. Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndaona kuti zvangu zvakadini
VaFiripi 2:17-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni. Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei.
VaFiripi 2:17-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ndikaɗururwa pamsoro peciɓayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuɗa kwaiɀoɀo nemi ʋo mufare nokufarisisa neni. MunaShe Jesu ndinoti ndicakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa ɀenyu. Nokuti handinomumŋe munhu unomŋoyo wakaita sowake, ucaʋa nehanya kwaɀo neɀenyu. Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake. Ɀino ndiye wandinoti ndicatuma kwamuri pakarepo, kana ndaʋona kuti ɀaŋgu ɀakaɗini
VaFiripi 2:17-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)