VaFiripi 2:15 - Compare All Versions
VaFiripi 2:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
VaFiripi 2:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika
VaFiripi 2:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.
VaFiripi 2:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika
VaFiripi 2:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.