VaFiripi 2:14-16
VaFiripi 2:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.
VaFiripi 2:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika; makabatisisa shoko roupenyu, kuti ndive nechandingazvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata basa pasina.
VaFiripi 2:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika. Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina.
VaFiripi 2:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika; makaɓatisisa shoko roʋupenyu, kuti ndiʋe necandiŋgaɀirumbidza naco nezuʋa raKristu, ndiziʋe kuti handina‐kumhanya pasina, kana kuɓata pasina.
VaFiripi 2:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)