Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 2:14-15 - Compare All Versions

VaFiripi 2:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 2 BDSC

VaFiripi 2:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 2 SNA2002

VaFiripi 2:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 2 SCLBD

VaFiripi 2:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 2 SUB1949

VaFiripi 2:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 2 SCLB