VaFiripi 2:13-15
VaFiripi 2:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
VaFiripi 2:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika
VaFiripi 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda. Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.
VaFiripi 2:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka. Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika
VaFiripi 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)