VaFiripi 1:9-12
VaFiripi 1:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.
VaFiripi 1:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri
VaFiripi 1:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari. Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka
VaFiripi 1:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose; kuti muidze muziʋe kuti ɀinhu ɀakanaka ndeɀipi, kuti muʋe ʋakarurama, ʋasinemhoȿa, kuȿikira pazuʋa raKristu; muzere neciɓereko cokururama, cinoʋuya naJesu Kristu, kuti Mŋari aʋe nokubginya nokurumbidzwa. Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri
VaFiripi 1:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)