VaFiripi 1:5-6
VaFiripi 1:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
VaFiripi 1:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu
VaFiripi 1:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu.
VaFiripi 1:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuɗa kwokusoŋgana kwenyu paEvaŋgeri kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira ɀino; ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu