Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:27-28 - Compare All Versions

VaFiripi 1:27-28 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 BDSC

VaFiripi 1:27-28 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi fambai bedzi zvakafanira Vhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweVhangeri; musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SNA2002

VaFiripi 1:27-28 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SCLBD

VaFiripi 1:27-28 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi fambai ɓedzi ɀakafanira Evaŋgeri yaKristu; kuti kunyaŋge ndikaʋuya ndikakuʋonai, kunyaŋge ndisi’po, ndinzwe pamsoro penyu kuti mumire nesimba nomŋeya mumŋe, nomŋoyo mumŋe, mucirwira kutenda kweEvaŋgeri; musiŋgatyiswi pacinhu cimŋe naʋanorwa nemi. Ndiɀo ɀicaʋa ciratidzo cokuparadzwa kwaʋari, asi kwamuri cokuponeswa; cinhu ici cinobva kunaMŋari.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SUB1949

VaFiripi 1:27-28 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SCLB