VaFiripi 1:22-25
VaFiripi 1:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu
VaFiripi 1:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka; asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuurire mberi, mufare pakutenda
VaFiripi 1:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu
VaFiripi 1:22-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura; ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka; asi nokuɗa kwenyu ɀakanaka kuti ndigare panyama. Ɀino ndicitenda cinhu ici, ndinoziʋa kuti ndicagara, ndicaramba ndigere nemi mose, kuti mupfuʋurire mberi, mufare pakutenda
VaFiripi 1:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)