VaFiripi 1:20-21
VaFiripi 1:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.
VaFiripi 1:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe; asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana noupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma.
VaFiripi 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma.
VaFiripi 1:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.
VaFiripi 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)