VaFiripi 1:18-26
VaFiripi 1:18-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara, nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu, kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.
VaFiripi 1:18-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo. Nokuti ndinoziva kuti nokuda kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu, zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe; asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana noupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma. Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka; asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuurire mberi, mufare pakutenda; kuti muzvirumbidze zvikuru muna Kristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri.
VaFiripi 1:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo nokuti ndinoziva kuti neminamato yenyu uye norubatsiro rwaMweya waJesu Kristu ndichanunurwa. Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri.
VaFiripi 1:18-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo. Nokuti ndinoziʋa kuti nokuɗa kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMŋeya waJesu Kristu, iɀoɀi ɀicaʋa kuponeswa kwaŋgu, ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma. Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura; ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka; asi nokuɗa kwenyu ɀakanaka kuti ndigare panyama. Ɀino ndicitenda cinhu ici, ndinoziʋa kuti ndicagara, ndicaramba ndigere nemi mose, kuti mupfuʋurire mberi, mufare pakutenda; kuti muɀirumbidze ɀikuru munaKristu Jesu pamsoro paŋgu nokuɗa kwokudzokera kwaŋgu kwamuri.
VaFiripi 1:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)