VaFiripi 1:15-23
VaFiripi 1:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara, nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza
VaFiripi 1:15-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomwoyo wakanaka; vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti ndidavirire Vhangeri. Asi vamwe vanoparidza Kristu nenharo, vasingaiti nomwoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu. Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo. Nokuti ndinoziva kuti nokuda kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu, zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe; asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana noupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma. Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka
VaFiripi 1:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo nokuti ndinoziva kuti neminamato yenyu uye norubatsiro rwaMweya waJesu Kristu ndichanunurwa. Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo.
VaFiripi 1:15-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka; ʋamŋe haʋo ʋanoita noruɗo, ʋaciziʋa kuti ndakagadzwa kuti nditaʋirire Evaŋgeri. Asi ʋamŋe ʋanoparidza Kristu nenharo, ʋasiŋgaiti nomŋoyo wakacena, ʋaciti ʋawedzere nhamo pakusuŋgwa kwaŋgu. Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo. Nokuti ndinoziʋa kuti nokuɗa kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMŋeya waJesu Kristu, iɀoɀi ɀicaʋa kuponeswa kwaŋgu, ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma. Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura; ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka
VaFiripi 1:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)