VaFiripi 1:12-18
VaFiripi 1:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara
VaFiripi 1:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi. Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomwoyo wakanaka; vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti ndidavirire Vhangeri. Asi vamwe vanoparidza Kristu nenharo, vasingaiti nomwoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu. Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.
VaFiripi 1:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo
VaFiripi 1:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri; nokuɗaro kuti kusuŋgwa kwaŋgu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokunaʋamŋe ʋose kuti kuri munaKristu. Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi. Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka; ʋamŋe haʋo ʋanoita noruɗo, ʋaciziʋa kuti ndakagadzwa kuti nditaʋirire Evaŋgeri. Asi ʋamŋe ʋanoparidza Kristu nenharo, ʋasiŋgaiti nomŋoyo wakacena, ʋaciti ʋawedzere nhamo pakusuŋgwa kwaŋgu. Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo.
VaFiripi 1:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)