VaFiripi 1:12-14
VaFiripi 1:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.
VaFiripi 1:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
VaFiripi 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari.
VaFiripi 1:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri; nokuɗaro kuti kusuŋgwa kwaŋgu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokunaʋamŋe ʋose kuti kuri munaKristu. Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
VaFiripi 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)