VaFiripi 1:1-6
VaFiripi 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu.
VaFiripi 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
VaFiripi 1:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu, vari muFiripi, navatariri navaranda vesangano: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu
VaFiripi 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu.
VaFiripi 1:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai, — ndicikumbira nomufaro ŋguʋa dzose pakukumbira kwaŋgu kwose, pamsoro penyu mose — nokuɗa kwokusoŋgana kwenyu paEvaŋgeri kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira ɀino; ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu
VaFiripi 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)