VaFiripi 1:1-4
VaFiripi 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro
VaFiripi 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu, vari muFiripi, navatariri navaranda vesangano: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose
VaFiripi 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro
VaFiripi 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai, — ndicikumbira nomufaro ŋguʋa dzose pakukumbira kwaŋgu kwose, pamsoro penyu mose
VaFiripi 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)