Firimoni 1:1-7
Firimoni 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu, nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
Firimoni 1:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti, hama yedu, kuna Firimoni, mudikanwi wedu noanobata nesu, nokunaAfia, hanzvadzi yedu, nokunaAkipo, murwi pamwechete nesu, nokukereke iri mumba mako: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose, kana ndichikurangarira pakunyengetera kwangu, zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose; kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe; nokuti ndakanga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuda kworudo rwako, nokuti mwoyo yavatsvene yakazorodzwa newe, hama yangu.
Firimoni 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro musungwa akasungirwa Kristu Jesu, tinokunyorera tiri pamwechete naTimoti hama yedu iwe Firimoni mushandipamwe nesu wapamwoyo naApiya hanzvadzi yedu naAchipusi musoja pamwechete nesu nesangano rinonamatira pamba pako. Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndinotenda Mwari nguva dzose pandinokuyeuka muminamato yangu nokuti ndinonzwa nezvorudo rwako kuvanhu vaMwari vose uye nechitendero chako chauinacho muna Tenzi Jesu. Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu nokuti ndakawana rufaro rwakawanda nokusimbaradzwa zvichibva murudo rwako, iwe hama yangu nokuti wakaita kuti mwoyo yavanhu vaMwari ifaranuke.
Firimoni 1:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, musuŋgwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yeɗu, kunaFiremoni, muɗikanwa weɗu nounoɓata nesu, nokunaApfia, hanɀadzi yeɗu, nokunaArkipo, murwi pamŋe cete nesu, nokukereke iri mumba mako: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa dzose, kana ndicikuraŋgarira pakunyeŋgetera kwaŋgu, ɀandinonzwa ɀoruɗo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuʋatȿene ʋose; kuti kugoʋana kwokutenda kwako kuʋe nesimba, kuti ɀakanaka ɀose ɀiri mukati meɗu kunaKristu ɀizikanwe; nokuti ndakaŋga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuɗa kworuɗo rwako, nokuti mŋoyo yaʋatȿene yakazorodzwa newe, hama yaŋgu.
Firimoni 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)