Firimoni 1:1-25
Firimoni 1:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu, nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita, asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri. Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai, uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
Firimoni 1:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti, hama yedu, kuna Firimoni, mudikanwi wedu noanobata nesu, nokunaAfia, hanzvadzi yedu, nokunaAkipo, murwi pamwechete nesu, nokukereke iri mumba mako: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose, kana ndichikurangarira pakunyengetera kwangu, zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose; kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe; nokuti ndakanga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuda kworudo rwako, nokuti mwoyo yavatsvene yakazorodzwa newe, hama yangu. Naizvozvo, kunyange ndisingatongotyi muna Kristu kukurayira kuita zvakafanira, kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, mutana, uye zvino musungwa waKristu Jesu. Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo, akanga asingakubatsiri kare, asi zvino anobatsira zvikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mwoyo wangu chaiwo; ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweVhangeri; asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi; arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, panyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri. Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini. Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo. Ini Pauro, ndinozvinyora noruoko rwangu, ndicharipa; ndisingarevi hangu kuti pamusoro pezvose une ngava kwandiri, ndiyewe umene. Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mwoyo wangu muna Kristu. Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura pandinoreva napo. Asi ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu. Epafirasi, musungwa pamwechete neni muna Kristu, anokukwazisa. NaMako, naArisitakusi, naDhemasi, naRuka, vanobata basa pamwechete neni. Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.
Firimoni 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro musungwa akasungirwa Kristu Jesu, tinokunyorera tiri pamwechete naTimoti hama yedu iwe Firimoni mushandipamwe nesu wapamwoyo naApiya hanzvadzi yedu naAchipusi musoja pamwechete nesu nesangano rinonamatira pamba pako. Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndinotenda Mwari nguva dzose pandinokuyeuka muminamato yangu nokuti ndinonzwa nezvorudo rwako kuvanhu vaMwari vose uye nechitendero chako chauinacho muna Tenzi Jesu. Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu nokuti ndakawana rufaro rwakawanda nokusimbaradzwa zvichibva murudo rwako, iwe hama yangu nokuti wakaita kuti mwoyo yavanhu vaMwari ifaranuke. Nezvo kunyange zvangu, muna Kristu, ndiine simba, rokukuudza zvokuita, asi pamusana porudo, zviri nani kuti ndiite zvokukukumbira, iyeni Pauro harahwa kudai uyewo musungwa akasungirwa Kristu Jesu. Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu. Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri. Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye, Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka. Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka. Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose, kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi. Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite. Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti. Iyeni Pauro ndinosaina izvi noruoko rwangu kuti ndichachibhadhara tisingatauri zvedu zvechikwereti chako, chokuti iwe unotova nechikwereti kwandiri. Hongu, hama ndinoda rubatsiro kwauri zvichibva muna Tenzi. Chindifaranutsawo mwoyo muna Kristu. Pane zvokuteerera kwako ndine chivimbo newe. Ndinokunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura. Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri. Epafurasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu anokukwazisa, uyewo Mariko naAristakusi naDhemasi naRuka vashandipamwe neni. Tenzi Jesu Kristu ngaape chikomborero chenyasha kumweya wenyu.
Firimoni 1:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, musuŋgwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yeɗu, kunaFiremoni, muɗikanwa weɗu nounoɓata nesu, nokunaApfia, hanɀadzi yeɗu, nokunaArkipo, murwi pamŋe cete nesu, nokukereke iri mumba mako: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa dzose, kana ndicikuraŋgarira pakunyeŋgetera kwaŋgu, ɀandinonzwa ɀoruɗo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuʋatȿene ʋose; kuti kugoʋana kwokutenda kwako kuʋe nesimba, kuti ɀakanaka ɀose ɀiri mukati meɗu kunaKristu ɀizikanwe; nokuti ndakaŋga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuɗa kworuɗo rwako, nokuti mŋoyo yaʋatȿene yakazorodzwa newe, hama yaŋgu. Naiɀoɀo, kunyaŋge ndisiŋgatoŋgotyi munaKristu kukuraira kuita ɀakafanira, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kworuɗo ndinoita ɀokukumbira ɀikuru, ɀandakaɗai haŋgu, ini Pauro, mutana, ʋuye ɀino musuŋgwa waKristu Jesu. Ndinokumbira ɀikuru kwauri pamsoro pomŋana waŋgu, wandakaɓereka pakusuŋgwa kwaŋgu, Onesimo, wakaŋga asiŋgakuɓatsiri kare, asi ɀino unokuɓatsira ɀikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mŋoyo waŋgu caiwo; ndaiɗa kuti agare neni, kuti panɀimbo yako andishumire pakusuŋgwa kwaŋgu nokuɗa kweEvaŋgeri; asi ndakaŋga ndisiŋgaɗi kuita cinhu, iwe usati watenda, kuti ɀakanaka ɀauŋgaita ɀirege kuitwa nokuroʋererwa, asi nokuɗa kwako. Nokuti ɀimŋe wakaparadzaniswa newe ciŋguʋa nemhaka iyi, kuti ugozoʋa naye nokusiŋgaperi; arege kuzoʋa muranda, asi munhu unopfuʋura muranda, aʋe hama inoɗikanwa, munyama nomunaShe, ɀikuru kwandiri, asi ɀikuru kwaɀo kwauri. Ɀino kana uciti ndiri mugoʋani newe, umugamucire seɀauŋgandigamucira ini. Asi kana akakuitira cinhu cisakarurama, kunyaŋge aneŋgaʋa newe, undiraʋireni iɀoɀo. Ini Pauro, ndinoɀinyora noruʋoko rwaŋgu, ndicaripa; ndisiŋgareʋi haŋgu kuti pamsoro peɀose uneŋgaʋa kwandiri, ndiyewe umene. Hoŋo, hama, ŋgandiʋe nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mŋoyo waŋgu munaKristu. Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndiciziʋa kuti ucaita ʋo kupfuʋura pandinoreʋa napo. Asi ndigadzirire ʋo pokugara, nokuti ndinotarira kuti mucandipiwa ini nokuɗa kwokunyeŋgetera kwenyu. Epafrasi, musuŋgwa pamŋe cete neni munaKristu, unokukwazisa. NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, ʋanoɓate‐ɓasa pamŋe cete neni. Nyasha dzaShe Jesu Kristu ŋgadziʋe nomŋeya wenyu.
Firimoni 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)