Numeri 9:1-14
Numeri 9:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari, “Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa. Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.” Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika, ivo vakaita saizvozvo murenje reSinai panguva yorubvunzavaeni nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. VaIsraeri vakaita zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. Saka vakauya kuna Mozisi naAroni musi iwoyo uye, vakati kuna Mozisi, “Isu tava vasina kuchena nokuda kwechitunha, asi tinodzivisirweiko kuvigira Jehovha chipiriso pamwe chete navamwe vaIsraeri panguva yakatarwa?” Mozisi akavapindura akati, “Mirai kusvikira ndanzwa zvinorayirwa naJehovha pamusoro penyu.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava. Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose. Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake. “ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ”
Numeri 9:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavo panyika yeIjipiti akati, “Vana vaIsiraeri vanofanira kutamba Pasika panguva yayo yakatarwa. Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.” Ipapo Mosesi akataura navana vaIsiraeri, kuti vatambe Pasika. Ivo vakatamba Pasika nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, murenje reSinai; zvose sezvakarairwa Mosesi naJehovha, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvino kwakanga kuna vamwe varume vakanga vasina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu, naizvozvo vakanga vasingagoni kudya Pasika nomusi iwoyo; naizvozvo vakauya kuna Mosesi naAroni nomusi iwoyo; varume ava vakati kwaari, “Hatina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu; tingadziviswa seiko kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa pakati pavana vaIsiraeri?” Mosesi akati kwavari, “Mirai, ndinzwe zvinorairwa naJehovha pamusoro penyu.” Jehovha akataura naMosesi akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava usina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro anofanira kutamba Pasika yaJehovha.’ Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava. Havafaniri kusiya zvimwe kusvikira mangwana, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo, asi vanofanira kuitamba vachiteerera mitemo yose yePasika. Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake. Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika.”
Numeri 9:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti achiti, “VaIsiraeri ngavachengete zuva guru rePasika panguva yayo yakatemwa. Richengetei pazuva regumi nechina romwedzi uno, kubvira zuva rodoka muchitevedza mirao nezvirongwa zvaro zvose.” Naizvozvo Mosesi akandoudza vaIsiraeri kuti vachengete zuva guru rePasika. VaIsiraeri vakachengeta zuva guru rePasika pamwedzi wechiposhi murenje reSinai kubvira zuva rodoka pazuva regumi nechina romwedzi iwoyo. Vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Asi kwakava navamwe varume vakanga van'ora nokuti vakanga vabata chitunha. Varume ivavo vakanga vasisakwanisi kuchengeta Pasika pazuva iroro. Vakaenda kuna Mosesi naAroni vakandoti, “Isu takan'ora nokuti takabata chitunha. Asi tinorambidzirweiko kupira Tenzi mipiro panguva yakatemwa pamwechete navamwe vedu vaIsiraeri.” Mosesi ndokuti, “Chimbomirai kusvikira ndanzwa zvandichapiwa naTenzi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri uchiti ani naani wenyu kana mumwe wechizvarwa chenyu anenge abata chitunha chikamun'oresa, nyangwe anenge ari kure, ari parwendo, kana achida kuchengeta Pasika yaTenzi, anofanira kuzoichengeta. Ngavaichengete mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechina zuva rodoka, vaidye pamwechete nemiriwo inovava nechingwa chisina mbiriso, havafanire kusiya kana chii zvacho chayo kusvikira mangwana. Hapana pfupa rechibayiro rayo rinofanira kutyorwa. Ngavaichengete vachitevedza mirao yayo yose. Asi ani naani anenge asina kun'ora anenge asiri parwendo anenge arega kuchengeta Pasika atozvichekanisa ukama novokwake nokuti haana kundipa mupiro wake panguva yakatemwa, acharangirwa chitadzo chake. “Kana mutorwa wamugere naye akada kuchengeta zuva guru rePasika, ngaachengetewo mirao nezvirongwa zvayo zvose. Murao iwoyo ngauchengetwe nemunhu wose, muIsiraeri kana mutorwa.”
Numeri 9:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai pamŋedzi wokutaŋga wegore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita, akati: Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kutamba paseka paŋguʋa yayo yakatarwa. Nezuʋa regumi namanna romŋedzi uno, maɗekwana, munofanira kuitamba paŋguʋa yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muciterera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose. Ipapo Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, kuti ʋatambe paseka. Iʋo ʋakatamba paseka nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, murenje reSinai; ɀose seɀakarairwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri. Ɀino kwakaŋga kunaʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋasina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu, naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudya paseka nomusi iwoyo; naiɀoɀo ʋakaʋuya kunaMosesi naAroni nomusi iwoyo; ʋarume aʋa ʋakati kwaari: Hatina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu; tiŋgadziʋiswa seiko kupa cipo caJehova neŋguʋa yaco yakatarwa pakati paʋana ʋaIsraeri? Mosesi akati kwaʋari: Mirai, ndinzwe ɀinorairwa naJehova pamsoro penyu. Jehova akataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana mumŋe wenyu, kana waʋana ʋenyu, aciŋge aʋa usina‐kunaka nokuɗa kwecitunha, kana ɀimŋe ari kurwendo ruri kure, kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kutamba paseka yaJehova. Iʋo ʋanofanira kuidya nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanna, maɗekwana; ʋanofanira kuidya neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa nemiriʋo inoʋaʋa. Haʋafaniri kusiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana, kana kuvuna fupa rimŋe rayo, asi ʋanofanira kuitamba ʋaciterera mitemo yose yepaseka. Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya paseka, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; ɀaasinakupa cipo caJehova paŋguʋa yakatarwa, munhu uyo ucaʋa neɀiʋi ɀake. Kana ari mutorwa ugere nemi, akaɗa kudya paseka yaJehova, unofanira kuidya aciterera mutemo wepaseka, nomurairo wayo; munofanira kuʋa nomutemo mumŋe, womutorwa nomunhu wakaɓerekwa munyika.
Numeri 9:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)