Svetukira kuzviri mukati

Numeri 4:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Numeri 4:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuhwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.”

Numeri 4 BDSC

Numeri 4:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.”

Numeri 4 SNA2002

Numeri 4:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ƃasa raEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, nderamafuta okuvenekesa nawo, neɀinonhuwira ɀakanaka, necipiriso coʋupfu camazuʋa ose, namafuta okuzodza nawo, nokuceŋgeta tabernakeri yose neɀose ɀiri’mo, neimba tȿene, nenhumbi dzayo.

Numeri 4 SUB1949

Numeri 4:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo.

Numeri 4 SCLB

Numeri 4:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo.

Numeri 4 SCLBD