Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Numeri 3:4 - Enzanisa Shanduro Dzose

Numeri 3:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 BDSC

Numeri 3:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha nguva yavakauyisa moto usakafanira pamberi paJehovha murenje reSinai; vakanga vasina vana; asi Ereazari naItamari vakashumira pabasa roupristi pamberi paAroni, baba vavo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SNA2002

Numeri 3:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi Nadabi naAbihu ʋakafa pamberi paJehova ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usakafanira pamberi paJehova murenje reSinai; ʋakaŋga ʋasinaʋana; asi Ereazari naItamari ʋakashumira paɓasa roʋuprista pamberi paAroni, ɓaɓa ʋaʋo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SUB1949

Numeri 3:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa pavakapisira Tenzi rusenzi pamoto usingabvumirwe vari kurenje reSinai. Vakafa vasina kumboita vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vaiita basa roupristi pamwechete naAroni, baba wavo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SCLB

Numeri 3:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa pavakapisira Tenzi rusenzi pamoto usingabvumirwe vari kurenje reSinai. Vakafa vasina kumboita vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vaiita basa roupristi pamwechete naAroni, baba wavo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SCLBD