Numeri 3:12-13
Numeri 3:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu, nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”
Numeri 3:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarira, ini ndimene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu; nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.”
Numeri 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwa, ndasarudza vaRevhi kuti vave vanhu vangu panzvimbo yavose vanotanga kuberekwa, matangwe, pakati pavaIsiraeri. Saka vaRevhi vava vangu. Ndinodaro nokuti kubvira musi wandakarakasha matangwe ose eIjipiti ndakanga ndazvitsaurira matangwe ose omuIsiraeri kuti ave angu, kubvira matangwe avanhu neemhuka, ndeangu. Ndini Tenzi.”
Numeri 3:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, ini ndimene ndakatora ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri panɀimbo yamataŋgwe ose anotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri; ʋaRevi ndaʋaŋgu; nokuti mataŋgwe ose ndaaŋgu; musi wandakaʋuraya mataŋgwe ose panyika yeEgipita, ndakaɀitsaurira mataŋgwe ose paʋaIsraeri, paʋanhu napaɀipfuwo; anofanira kuʋa aŋgu; ndini Jehova.
Numeri 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)