Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 3:11-13 - Compare All Versions

Numeri 3:11-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha akatizve kuna Mozisi, “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu, nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 BDSC

Numeri 3:11-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jehovha akataura naMosesi, akati, “Tarira, ini ndimene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu; nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.”

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SNA2002

Numeri 3:11-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, ndasarudza vaRevhi kuti vave vanhu vangu panzvimbo yavose vanotanga kuberekwa, matangwe, pakati pavaIsiraeri. Saka vaRevhi vava vangu. Ndinodaro nokuti kubvira musi wandakarakasha matangwe ose eIjipiti ndakanga ndazvitsaurira matangwe ose omuIsiraeri kuti ave angu, kubvira matangwe avanhu neemhuka, ndeangu. Ndini Tenzi.”

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SCLBD

Numeri 3:11-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jehova akataura naMosesi, akati: Tarira, ini ndimene ndakatora ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri panɀimbo yamataŋgwe ose anotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri; ʋaRevi ndaʋaŋgu; nokuti mataŋgwe ose ndaaŋgu; musi wandakaʋuraya mataŋgwe ose panyika yeEgipita, ndakaɀitsaurira mataŋgwe ose paʋaIsraeri, paʋanhu napaɀipfuwo; anofanira kuʋa aŋgu; ndini Jehova.

Pakurirana nevamwe
Numeri 3 SUB1949

Numeri 3:11-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Numeri 3 SCLB