Numeri 28:9-10
Numeri 28:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
Numeri 28:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
Numeri 28:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa wokuita paSabata rimwe nerimwe, uchiwedzerwa pamupiro wokupisa wamazuva ose nomupiro wawo wezvokunwa.
Numeri 28:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa. Ndico cipiriso cinopiswa cesaɓata rimŋe nerimŋe, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
Numeri 28:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)