Svetukira kuzviri mukati

Numeri 26:65 - Enzanisa Shanduro Dzose

Numeri 26:65 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

Numeri 26 BDSC

Numeri 26:65 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, “Zvirokwazvo vachafira murenje.” Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.

Numeri 26 SNA2002

Numeri 26:65 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti Jehova wakaŋga ati pamsoro paʋo: Ɀirokwaɀo ʋacafira murenje. Hakunomumŋe waʋo wakaŋga asara, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

Numeri 26 SUB1949

Numeri 26:65 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.

Numeri 26 SCLB

Numeri 26:65 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.

Numeri 26 SCLBD