Numeri 26:1-51
Numeri 26:1-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti: Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu; Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu. Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi, uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha. Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro. Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara. Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini; Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Shauri kwakabva mhuri yavaShauri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri. Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi; Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri; Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu. Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani. Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu. Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua; Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu. Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu. Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai: Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki; Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.) Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo. Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu; Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami. Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani: Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana. Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria; uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri. Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni; Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana. Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.
Numeri 26:1-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMosesi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati, “Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.” Mosesi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati, “Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mosesi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.” Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri; vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu. NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi. Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu. Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu; navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMosesi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha, nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo. Asi vanakomana vaKora havana kufa. Ava ndivo vanakomana vaSimeoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini; naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri. Ndidzo mhuri dzavaSimeoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri. Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni; naOzini, kwakabva mhuri yavaOzini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri; naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; naAreri, kwakabva mhuri yavaAreri. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera. Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu. Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva; naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi; naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi. Ndidzo mhuri dzaIsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu. Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu. Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu. Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Gireadhi; kunaGireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. Ndivo vanakomana vaGireadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki; naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza. Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe. Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri; naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani. Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo. Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami; naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami. Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani. Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu. Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo. Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana. Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria. Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri. Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera. Ndidzo mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana. Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni; naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana. Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.
Numeri 26:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti, “Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.” Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti, vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti: mudzinza raRubheni, dangwe raJakobho maiva nemhuri dzavanakomana vake vaiti: mhuri yokwaHanoki tateguru wayo ari Hanoki, mhuri yokwaParu, tateguru wayo ari Paru, mhuri yokwaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaKarumi tateguru wayo ari Karumi. Vose vakaverengwa mudzinza raRubheni, vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvitatu namazana manomwe ana makumi matatu avanhu. Mwanakomana waParu aiva Eriabhu. Vanakomana vaEriabhu vaiva Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vatungamiriri vaya vakanga vasarudzwa mugungano ravaIsiraeri. Asi vakazopikisana naMosesi naAroni, vakaita rimwe naKora paya pavakapikisa Tenzi. Ndipo pakashama nyika muromo wayo ikavamedza pamwechete naKora neboka rake, pakaparadzwa varume mazana maviri anamakumi mashanu, chikava chiratidzo chokuyambira vanhu. Asi vana vaKora havana kuurayiwa. Mudzinza rokwaSimeoni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaNemueri tateguru wayo ari Nemueri, mhuri yokwaJamini tateguru wayo vari Jamini, mhuri yokwaJakini tateguru wayo ari Jakini, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera, mhuri yaShauri tateguru wayo ari Shauri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaSimeoni, vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri namazana maviri. Mudzinza rokwaGadhi makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaZefoni tateguru wayo ari Zefoni, mhuri yaHagi tateguru wayo ari Hagi, mhuri yaShuni tateguru wayo ari Shuni, mhuri yaOzini tateguru wayo ari Ozini, mhuri yaEri tateguru wayo ari Eri, mhuri yaArodhi tateguru wayo ari Arodhi, mhuri yaAreri tateguru vayo vari Areri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaGadhi, vaikwana makumi mana ezviuru namazana mashanu avanhu. Judha aivawo navanakomana vainzi Eri naOnani, asi vakanga vatofa kare munyika yeKanani. Saka vakaverengwa mudzinza rokwaJudha mhuri nemhuri, ndevemhuri yaShera tateguru wayo ari Shera, mhuri yaPerezi tateguru wayo ari Perezi, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera. Vanakomana vaPerezi nemhuri dzavo ndivo ava vanoti; mhuri yaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaHamuri tateguru wayo ari Hamuri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaJudha vaikwana makumi manomwe ezviuru nezviuru zvitanhatu namazana mashanu avanhu. Mudzinza rokwaIsakari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaTora tateguru wayo ari Tora, mhuri yokwaPuni tateguru wayo ari Puvha, mhuri yokwaJashubhi tateguru wayo ari Jashubhi, mhuri yokwaShimuroni tateguru wayo ari Shimuroni. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaIsakari vaikwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana matatu avanhu. Mudzinza rokwaZebhuroni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaSeredhi tateguru wayo ari Seredhi, mhuri yokwaEroni tateguru wayo ari Eroni, mhuri yokwaJareeri tateguru wayo ari Jareeeri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaZebhuroni vaikwana makumi matanhatu ezviuru, namazana mashanu avanhu. Mudzinza rokwaJosefi makaverengwa mhuri nemhuri, dzaManase nedzaEfuremu. Mumhuri dzokwaManase kwaiti mhuri yokwaMakiri tateguru wayo ari Makiri. Makiri ndiye baba vaGiriadhi. Mhuri yokwaGiriadhi tateguru vayo ndiGiriadhi. Giriadhi akavawo navanakomana vake nemhuri dzavo dzinoti mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaHereki tateguru wayo ari Hereki, mhuri yokwaAsirieri tateguru wayo ari Asirieri, mhuri yokwaShikemu tateguru wayo ari Shekemu, mhuri yokwaShemidha tateguru wayo ari Shemidha, mhuri yokwaHeferi tateguru wayo ari Heferi. Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. Vose vakaverengwa mudzinza raManase vaikwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zviviri, namazana manomwe avanhu. Mudzinza rokwaEfuremu makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShutera tateguru wayo ari Shutera, mhuri yokwaBhekeri tateguru wayo ari Bhekeri, mhuri yokwaTahani tateguru wayo ari Tahani. Shutera ndiye baba waErani tateguru wemhuri yavaErani. Vose vakaverengwa mumhuri yaEfuremu vaikwana makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, namazana mashanu. Ivava ndivo vomudzinza rokwaJosefi vakaverengwa mhuri nemhuri. Mudzinza rokwaBhenjamini makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaBhera tateguru wayo ari Bhera, mhuri yokwaAshibheri tateguru wayo ari Ashibheri, mhuri yokwaAhiramu tateguru wayo ari Ahiramu, mhuri yokwaShefufamu tateguru wayo ari Shefufamu, mhuri yokwaHufamu tateguru wayo ari Hufamu. Vanakomana vaBhera ndiAridhi naNaamani. Mhuri yakwaAridhi tateguru wayo ndiAridhi, mhuri yokwaNaamani tateguru wayo ndiNaamani. Vose vakaverengwa mhuri nemhuri mudzinza rokwaBhenjamini vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana matanhatu. Mudzinza raDhani makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShuhamu tateguru wayo ari Shuhamu. Ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaDhani dzakaverengwa mhuri nemhuri. Vanhu vakaverengwa vose mhuri nemhuri dzokwaShuhamu vakakwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana mana. Mudzinza raAsheri makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaImuna tateguru wayo ari Imuna, mhuri yokwaIshivhi tateguru wayo ari Ishivhi, mhuri yaBheria tateguru wayo ari Bheria. Bheria ndiye tateguru waHebheri naMarikieri, mhuri yokwaHebheri tateguru wayo ari Hebheri, mhuri yaMarikieri tateguru wayo ari Marikieri. Zita romwanasikana waAsheri rainzi Sera. Ndidzo mhuri dzomudzinza raAsheri, vose vakaverengwa vakakwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zvitatu, namazana mana avanhu. Mudzinza rokwaNafutari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaJahizeeri tateguru wayo ari Jahizeeri, mhuri yaGuni tateguru wayo ari Guni, mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaShiremu tateguru wayo ari Shiremu. Idzodzi ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaNafutari, vose vakaverengwa vakakwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana mana avanhu. Uhu ndiwo uwandi hwavaIsiraeri vakaverengwa. Vakakwana mazana matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete, chine mazana manomwe namakumi matatu avanhu.
Numeri 26:1-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ɗenda rakati rapfuʋura, Jehova akataura naMosesi naEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, akati: Ʋereŋgai ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋanogona kuenda kuhondo pakati paIsraeri. Mosesi naEreazari muprista ʋakataura naʋo pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko, ʋakati: Ʋereŋgai ʋanhu ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura; Jehova seɀakaraira Mosesi naʋana ʋaIsraeri, ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita. Rubeni ndiye waiʋa mŋanakomana weɗaŋgwe waIsraeri; ʋanakomana ʋaRubeni ndiʋo: Hanoki, kwakabva mhuri yaʋaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yaʋaParu. NaHezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naKarmi, kwakabva mhuri yaʋaKarmi. Ndidzo mhuri dzaʋaRubeni: Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitatu, namazana manomŋe namakumi matatu. Ʋanakomana ʋaParu ʋaiʋa Eriabi; naʋanakomana ʋaEriabi, Nemueri naDatani naAbirami; Datani naAbirami ndiʋo ʋakaŋga ʋaɗanwa kumakurukota, ʋakarwa naMosesi naAroni paɓoka raKora, ŋguʋa yaʋakarwa naJehova, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza pamŋe cete naKora musi wakafa ɓoka iro; ŋguʋa iyo mŋoto ukaparadza ʋarume ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaitwa ciratidzo. Asi ʋanakomana ʋaKora haʋana‐kufa. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaSimeoni, nemhuri dzaʋo: Nemueri, kwakabva mhuri yaʋaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yaʋaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yaʋaJakini; naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera; naShauri, kwakabva mhuri yaʋaShauri. Ndidzo mhuri dzaʋaSimeoni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana maʋiri. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaGadi nemhuri dzaʋo: Zefoni, kwakabva mhuri yaʋaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yaʋaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yaʋaShuni; naOzni, kwakabva mhuri yaʋaOzni; naEri, kwakabva mhuri yaʋaEri; naArodi, kwakabva mhuri yaʋaArodi; naAreri, kwakabva mhuri yaʋaAreri. Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaGadi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda: Eri naOnani; asi Eri naOnani ʋakafira munyika yeKanani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda, nemhuri dzaʋo: Shera, kwakabva mhuri yaʋaShera; naPerezi, kwakabva mhuri yaʋaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera. Ndiʋo ʋanakomana ʋaPerezi: Hezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naHamuri, kwakabva mhuri yaʋaHamuri. Ndidzo mhuri dzaJuda; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀitanhatu namazana mashanu. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaIsakari, nemhuri dzaʋo: Tora, kwakabva mhuri yaʋaTora; naPuva, kwakabva mhuri yaʋaPuva; naJashubi, kwakabva mhuri yaʋaJashubi; naShimroni, kwakabva mhuri yaʋaShimroni. Ndidzo mhuri dzaIsakari; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana matatu. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo: Seredi, kwakabva mhuri yaʋaSeredi; naEroni, kwakabva mhuri yaʋaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yaʋaJareeri. Ndidzo mhuri dzaZeburuni; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu namazana mashanu. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo: Manase naEfraimi. Ndiʋo ʋanakomana ʋaManase: Makiri, kwakabva mhuri yaʋaMakiri; Makiri wakaɓereka Gireadi; kunaGireadi kwakabva mhuri yaʋaGireadi. Ndiʋo ʋanakomana ʋaGireadi: Jezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yaʋaHereki; naAsrieri, kwakabva mhuri yaʋaAsrieri; naShekemi, kwakabva mhuri yaʋaShekemi; naShemida, kwakabva mhuri yaʋaShemida; naHeferi, kwakabva mhuri yaʋaHeferi. Asi Zerofehadi, mŋanakomana waHeferi, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋaZerofehadi aiʋa Makra, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza. Ndidzo mhuri dzaManase; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀiʋiri namazana manomŋe. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEfraimi, nemhuri dzaʋo: Shutera, kwakabva mhuri yaʋaShutera; naBekeri, kwakabva mhuri yaʋaBekeri; naTahani, kwakabva mhuri yaʋaTahani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaʋaErani. Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaEfraimi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri, namazana mashanu. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo: Bera, kwakabva mhuri yaʋaBera; naAshberi, kwakabva mhuri yaʋaAshberi; naAhirami, kwakabva mhuri yaʋaAhirami; naShefufami, kwakabva mhuri yaʋaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yaʋaHufami. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBera: Ardi naNamani; kunaArdi kwakabva mhuri yaʋaArdi; naNamani, kwakabva mhuri yaʋaNamani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDani, nemhuri dzaʋo: Shuhami, kwakabva mhuri yaʋaShuhami. Ndiʋo ʋemhuri dzaDani, nedzimba dzaʋo. Mhuri dzose dzaʋaShuhami, ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana manna. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaAsheri, nemhuri dzaʋo: Imna, kwakabva mhuri yaʋaImna; naIshvi, kwakabva mhuri yaʋaIshvi; naBeria, kwakabva mhuri yaʋaBeria. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBeria: Heberi, kwakabva mhuri yaʋaHeberi; naMarkieri, kwakabva mhuri yaʋaMarkieri. Zita romŋanasikana waAsheri rakaŋga riri Sera. Ndidzo mhuri dzaAsheri; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitanhatu namazana manna. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaNaftari, nemhuri dzaʋo: Jazeeri, kwakabva mhuri yaʋaJazeeri; naGuni, kwakabva mhuri yaʋaGuni; naJezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yaʋaShiremi. Ndidzo mhuri dzaNaftari, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana manna. Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu necuru cimŋe namazana manomŋe namakumi matatu.
Numeri 26:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)