Numeri 26:1-4
Numeri 26:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti
Numeri 26:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMosesi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati, “Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.” Mosesi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati, “Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mosesi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.”
Numeri 26:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti, “Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.” Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti, vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti
Numeri 26:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ɗenda rakati rapfuʋura, Jehova akataura naMosesi naEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, akati: Ʋereŋgai ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋanogona kuenda kuhondo pakati paIsraeri. Mosesi naEreazari muprista ʋakataura naʋo pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko, ʋakati: Ʋereŋgai ʋanhu ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura; Jehova seɀakaraira Mosesi naʋana ʋaIsraeri, ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita.
Numeri 26:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)