Numeri 25:1-18
Numeri 25:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu, avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava. Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.” Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.” Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana. Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake; uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma; asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina. Jehovha akati kuna Mozisi, “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu. Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye. Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.” Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani. Jehovha akati kuna Mozisi, “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya, nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”
Numeri 25:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu; nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo. VaIsiraeri vakazvisunganidza naBhaari‐peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.” Mosesi akati kuvatongi vaIsiraeri, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari‐peori.” Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mosesi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana. Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake, akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri. Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina. Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsiraeri neshungu dzangu. Naizvozvo uti, ‘Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare, ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.’ ” Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimeoni. Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani. Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Vambana navaMidhiani, uvaparadze; nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.”
Numeri 25:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri pavakanga vagere mubani remibayamhondoro reShitimu, varume vakatanga kuita unzenza navakadzi vorudzi rwavaMoabhu. Vakadzi ivavo vakavakoka kuzvibairo zvavamwari vavo. Vanhu vakadya vakapfugamira vamwari vavo ivavo. Naizvozvo vaIsiraeri vakazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari mwari wokuPeori. Tenzi akashatiriswa navaIsiraeri, akabva ataurira Mosesi kuti, “Tora vatungamiriri vose vavaIsiraeri uuye navo pana Tenzi, uvasungirire vafe pamberi paTenzi masikati machena kuti hasha dzaTenzi dzinotyisa dzichirega kuvirukira vaIsiraeri.” Mosesi akataurira vatongi vavaIsiraeri achiti, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye ani naani akazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari, mwari wokuPeori.” Ipapo mumwe murume muIsiraeri akauya nomukadzi worudzi rwavaMidhiani akapinda naye mutendhe rake, achionekwa naMosesi negungano rose ravaIsiraeri rakanga richichema riri kumusuo wetendhe rokusanganira. Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, paakazviona, akabva paiva negungano riya, akandotora pfumo rake, ndokutevera murume uya mutendhe muya, ndokusvikosonanidza nepfumo nechapadumbu murume muIsiraeri nomukadzi uya. Ndiko kumiswa kwakaitwa denda pavaIsiraeri. Asi vanhu vakanga vatofa nedenda iroro vaiva zviuru makumi maviri nezvina. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, apodza kutsamwira vaIsiraeri kwandanga ndaita. Atsamwira vanhu vasina kundiremekedza ini, sokuvatsamwira kwandinoitawo ini pachangu. Saka ndisina kuzoramba ndichiparadza vaIsiraeri pandanga ndavatsamwira. Naizvozvo mutaurire kuti, ndichaita chitenderano chorugare naye. Chitenderano ichi chokuti vava vapristi nokusingapere ndechake iye nezvizvarwa zvake nokuti akatsamwira vanhu vasina kuremekedza Tenzi wake akayananisa vaIsiraeri naTenzi.” Zita romurume muIsiraeri uya akaurayiwa pamwechete nomukadzi worudzi rwavaMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, aiva mutungamiriri weimwe mhuri yomudzinza rokwaSimeoni. Zita romukadzi wechiMidhiani akaurayiwa uya ainzi Kazibhi, aiva mukunda waZuri akanga ari mukuru wedzinza rimwe ravaMidhiani. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Rwisai vaMidhiani muvaparadze, panyaya iya yaKazibhi hanzvadzi yavo, mukunda wejinda romuMidhiani, yakaurayiwa panguva iya yedenda rakauraya vanhu paPeori.”
Numeri 25:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paShitimi, ʋanhu ʋakataŋga kuita ʋupombge naʋanasikana ʋaMoabi; nokuti ʋakaɗana ʋanhu ʋaʋuye kuɀiɓayiro ɀaʋamŋari ʋaʋo; ʋanhu ʋakadya, ʋakafugamira ʋamŋari ʋaʋo. ƲaIsraeri ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori; Jehova akatsamŋira Israeri kwaɀo. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, uʋasuŋgirire masikati makuru pamberi paJehova, kuti kutsamŋa kukuru kwaJehova kudzorwe kunaIsraeri. Mosesi akati kuʋatoŋgi ʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaaʋuraye ʋanhu ʋake ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori. Ɀino ʋonei mumŋe murume waʋana ʋaIsraeri akaʋuya kuhama dzake nomukadzi muMidiani, Mosesi neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋaciɀiʋona, iʋo ʋari pakucema pamukoʋa wetente rokusoŋgana. Ɀino Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wakati aciɀiʋona, akasimuka, akaɓuɗa pakati peʋuŋgano anepfumo muruʋoko rwake, akateʋera murume uyo muIsraeri mukati metente, akaʋaɓaya nepfumo nomuɗumbu, iʋo ʋaʋiri, murume muIsraeri nomukadzi; naiɀoɀo ɗenda rakaguma pakati paʋana ʋaIsraeri. Ʋose ʋakaŋga ʋafa neɗenda iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wadzora kutsamŋa kwaŋgu kuʋana ʋaIsraeri; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pakati paʋo, dzakafanana neshuŋgu dzaŋgu, naiɀoɀo handina‐kuparadza ʋana ʋaIsraeri neshuŋgu dzaŋgu. Naiɀoɀo uti: Tarira, ndinomupa suŋgano yaŋgu yorugare, icaʋa kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera suŋgano yoʋuprista bgusiŋgaperi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu nokuɗa kwaMŋari wake, akayananisira ʋana ʋaIsraeri. Zita romurume uyo muIsraeri wakaʋurawa, iye wakaʋurawa pamŋe cete nomukadzi muMidiani, rakaŋga riri Zimri, mŋanakomana waSaru, mucinda weimba yamadziɓaɓa pakati paʋaSimeoni. Zita romukadzi muMidiani wakaʋurawa, rakaŋga riri Kozbi, mŋanasikana waZuri; iye wakaŋga ari mukuru waʋanhu weimba yamadziɓaɓa paʋaMidiani. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ʋambana naʋaMidiani, uʋaparadze; nokuti iʋo ʋakaʋambana nemi namano aʋo, aʋakakunyeŋgerai nawo paneɀakaitwa paPeori neɀakaitwa naKozbi, mŋanasikana womucinda waʋaMidiani, hanɀadzi yaʋo, wakaʋurawa nomusi weɗenda nokuɗa kweɀakaitwa paPeori.
Numeri 25:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)