Numeri 22:1-7
Numeri 22:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori, Moabhu akatya nokuti pakanga pane vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri. VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti, vakazadza nyika yose, uye vagara pedyo neni. Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.” Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki.
Numeri 22:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri. Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri. Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni. Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.” Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki.
Numeri 22:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki.
Numeri 22:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo pamapani eMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko. Ɀino Baraki, mŋanakomana waZipori, wakaŋga aʋona ɀose ɀakaitirwa ʋaAmori naʋaIsraeri. Moabi akatya ʋanhu aʋo kwaɀo, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji; Moabi akavunduka nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri. Ipapo Moabi akati kuʋakuru ʋaMidiani: Ɀino ʋanhu aʋa ʋazhinji ʋacananɀa ɀose ɀakatipoteredza, seŋombe inonanɀa ʋuswa bgesaŋgo; Baraki, mŋanakomana waZipori ndiye wakaŋga ari mambo waMoabi neŋguʋa iyo. Ipapo akatuma nhume kunaBarami, mŋanakomana waBeori, paPetori paRwizi, kunyika yaʋana ʋorudzi rwake, kuzomuɗana, aciti: Tarira, pano panaʋanhu ʋakabva Egipita; tarira, ʋakafukidza nyika yose, ɀino ʋoɗa kurwa neni. Naiɀoɀo ɗoʋuya hako ɀino, unditukire ʋanhu aʋa; nokuti ʋanondikurira nesimba; ɀimŋe ndiŋgagona kuʋakunda, ndiʋadziŋge munyika ino; nokuti ndinoziʋa kuti munhu wakaropafadzwa newe, wakaropafadzwa kwaɀo, ʋuye munhu wakatukwa newe, wakatukwa kwaɀo. Ipapo ʋakuru ʋaMoabi naʋakuru ʋaMidiani ʋakaenda ʋakaɓata shanu yokuʋuka mumaʋoko aʋo, ʋakaȿika kunaBarami, ʋakamuʋudza mashoko aBaraki.
Numeri 22:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)