Numeri 20:14-18 - Compare All Versions
Numeri 20:14-18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti: “Zvanzi nomununʼuna wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, tikandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu, asi takati tadana kuna Jehovha, akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti. “Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu. Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.” Asi Edhomu akapindura akati: “Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”
Numeri 20:14-18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomun’una wako Isiraeri, ‘Unoziva nhamo dzose dzakatiwira; kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu; zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa mazwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti; zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako; dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ” Ipapo Edhomu akati kwaari, “Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.”
Numeri 20:14-18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadeshi, kunamambo weEdomi, aciti: Ɀanzi nomunuŋuna wako Israeri: Unoziʋa nhamo dzose dzakatiwira; kuti madziɓaɓa eɗu akaɓurukira Egipita, tikagara Egipita ŋguʋa huru, ʋaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, isu namadziɓaɓa eɗu; ɀino takati ticicema kunaJehova, iye akanzwa manzwi eɗu, akatuma mutumŋa kutiɓuɗisa paEgipita; ɀino tarirai, tiri paKadeshi, paguta riri pamuganho wenyika yako; ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako. Ipapo Edomi akati kwaari: Hauŋgapfuʋuri nokwandiri, kuti ndirege kuʋuya kuzorwa newe nomunondo.
Numeri 20:14-18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akatuma nhume kubva kuKadheshi dzichienda kuna mambo weEdhomu kundoti, “Zvanzi nehama yenyu Isiraeri, munoziva nhamo dzose dzakatiwira. Madzitateguru edu akaenda kuIjipiti kwatakagara kwenguva ndefu. VaIjipiti vakaonesa nhamo isu namadzitateguru edu. Patakachema kuna Tenzi akanzwa kuchema kwedu, akatitumira mutumwa wake, akatibudisa muIjipiti. Iye zvino tiri paKadheshi, guta riri kumucheto kwenyika yenyu. Zvino mungatibvumirewo here kupfuura nomunyika yenyu. Isu hatizobudi munzira tichipinda nomuminda yenyu yembesanwa kana yemigirepisi, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri Mumugwagwa Mukuru Wamambo, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tabuda munyika yenyu.” Asi Edhomu akati, “Haupfuuri nomangu muno. Kana ukangodaro ndinokuvinga nehondo yangu.”
Numeri 20:14-18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)