Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 20:1-13

Numeri 20:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo. Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni. Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha! Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifire muno. Seiko wakatibudisa muIjipiti uchitiuyisa munzvimbo yakaipa kudai? Haina zviyo kana maonde, mazambiringa kana matamba. Uye mvura yokunwa hapana!” Mozisi naAroni vakabva paungano vakaenda kumukova weTende Rokusangana vakawira pasi nezviso zvavo, kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo rigobudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.” Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira. Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?” Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.” Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 20

Numeri 20:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo. Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mosesi naAroni. Vanhu vakarwa naMosesi, vakataura, vachiti, “Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha! Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu? Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.” Ipapo Mosesi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari. Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.” Ipapo Mosesi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye. Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji‐zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.” Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 20

Numeri 20:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Gungano rose ravaIsiraeri rakazosvika murenje reZini mumwedzi wokutanga, vakagara paKadheshi. Miriamu akafa akavigirwapo. Ipapo gungano rakashaya mvura. Vakabva vaunganidzana kuzonetsa Mosesi naAroni. Vanhu vakapopotera Mosesi vachiti, “Dai takafira zvedu paya pakafira hama dzedu kumusuo wetendhe raTenzi rinoera! Ko makaunzireiko gungano raTenzi murenje muno? Kuti tizofira muno here isu nezvipfuwo zvedu. Ko makatiburitsireiko muIjipiti muchitiunza kunzvimbo ino yakaipa kudai, isina pokurima mbesa? Haina maonde. Haina michero yamagirepisi kana yamapomigiraneti! Kunyange mvura yokunwa zvayo hakuna!” Ipapo Mosesi naAroni vakabva pane vanhu ivavo vakaenda kumusuo wetendhe rokusanganira, vakasvikoti pasi zvambarara, ndokubva vaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Tora tsvimbo iya, uunganidze gungano ravanhu. Iwe nomukoma wako Aroni udzai dombo vaIsiraeri vakatarisa kuti riburitse mvura. Ipapo muchavabudisira mvura padombo. Naizvozvo muchawanisa gungano rose pamwechete nezvipfuwo zvavo mvura yokunwa.” Mosesi akatora tsvimbo yakanga iri pamberi pebhokisi rechitenderano sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi naAroni vakaunganidza vanhu kudombo riya ndokuvati, “Chinzwai mhandupandu dzavanhu, imi! Ko tokubudisirai mvura padombo iri here?” Mosesi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura zhinji zhinji ikabuda, vanhu vakanwa pamwechete nezvipfuwo zvavo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.” Apa ndipo pamvura yenharo, paMeribha, pakaitira vaIsiraeri Tenzi nharo, asi Tenzi akavaratidza kuera kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 20

Numeri 20:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋuŋgano yose, ʋakaȿika murenje reZini nomŋedzi wokutaŋga, ʋanhu ʋakagara paKadeshi. Miriami akafira’po, akaʋigwa ʋo ’po. Ipapo pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yeʋuŋgano yose; ɀino ʋanhu ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni. Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakataura, ʋaciti: Ƌai takafa heɗu ŋguʋa yakafa hama dzeɗu pamberi paJehova! Makaʋuyisireiko ʋuŋgano yaJehova murenje rino, kuti tifire’mo, isu neɀipfuwo ɀeɗu? Makatiɓuɗisireiko muEgipita, kuzotiisa panɀimbo iyi yakaipa? Haizi nɀimbo yembeu, kana yamaʋonde, kana yemizambiriŋga, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana. Ipapo Mosesi naAroni ʋakabva paʋuŋgano, ʋakaenda kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo; kubginya kwaJehova kukaratidzwa kwaʋari. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo. Ipapo Mosesi akatora tȿimbo, yakaŋga iri pamberi paJehova, seɀaakaŋga arairwa naye. Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here? Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo. Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa. Ndiyo mvura yeMeriba, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarwa naJehova, akaɀiratidza kwaʋari ari Mutȿene.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 20

Numeri 20:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)